Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Muvhuro Nyamavhuvhu 14, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro Yenhau Dzanhasi, Muvhuro Nyamavhuvhu 14, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vocherechedza zuva remagamba vachishora vanopikisa vachiti vanoda kudzosera minda kuvachena uye vachiti vari kupa kuti Zimbabwe itemerwe zvirango.

Mumashoko avo kumhuri yeZimbabwe pazuva rekurangarira magamba, mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangiriai vati kunyangwe hazvo pakadeuka ropa kuti nyika iwane kuzvitonga kuzere, zvido zvemagamba hazvisi kuzadzikiswa nenyaya yekutonga nedemo iri kuitwa nehurumende.

Gurukota rinoona nezvehutano Dr David Parirenyatwa vanoti mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangagwa vakaendeswa kuSouth Africa nechimbichimbi mushure mekurwara kwavakaita nemudumbu kumusangano webato ravo kuGwanda.

Gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo Amai Shuvai Mahofa vanoshaya.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nezvezuva remagamba.

Misoro Yenhau Dzanhasi, Muvhuro Nyamavhuvhu 14, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG