Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chitatu Nyamavhuvhu 09,2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro Yenhau Dzanhasi, Chitatu Nyamavhuvhu 09,2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai vanombomisa basa nhengo shanu dzebato ravo nekuda kwemhirizhonga yakaitika kuBulawayo mukupera kwesvondo.

Bato reNational People’s Party, NPP, iro riri kufanotungamirwa naAmai Joice Mujuru, rinoita musangano waro mukuru we convention muHarare.

Vesangano reLaw Society of Zimbabwe vari kukurudzira kuti hurumende imutsiridze homwe inobatsira magweta anomiririra pachena vamwe vanhuwo zvavo vanenge vakatarisana nemhosva huru mumatare epamusoro dzakadai sekuuraya, asi vasina mari yekuti vamiririrwe nemagweta.

Madzimai akawanda muKariba anogamuchira nemufaro chirongwa chekuronga mhuri pachishandiswa machubhu anoiswa munyama necheparuoko, uyewo kusungwa chibereko.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk Diaspora Forum na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nezvehurongwa hwezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kuda kupinda muzvirongwa zvekusimudzira hupfumi hwenyika kuburikidza nekuisa mari mukumutsiridzwa kwemaindasitiri.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG