Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chipiri Nyamavhuvhu 08, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro Yenhau Dzanhasi, Chipiri Nyamavhuvhu 08, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vashandi vekuminda yenzimbe kuLowveld mudunhu reMasvingo votyira kurasikirwa nemabasa zvichitevera mashoko emudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe ekuti vanhu vatore minda yenzimbe.

Dare reparamende muSouth Africa rovhota pamusoro pekuti richine chivimbo here nemutungamiri wenyika VaJacob Zuma kana kuti kwete.

Vemabhizimusi vokurudzira kuumbwa kwebhanga rinongotarisa zvemaindasitiri chete senzira yekumutsiridza hupfumi hwenyika.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk THE CONNECTION na8;00pm nhasi, tiri kutarisa zviri kuitika mumapato ezvematongerwo enyika munyaya yezvipoka zvipoka, uye kuti zvinosiya nyika papi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG