Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Muvhuro Nyamavhuvhu 07, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro Yenhau Dzanhasi, Muvhuro Nyamavhuvhu 07, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai vanoshoropodza mhirizhonga yakaitika mubato ravo kuBulawayo nezuro, vachiti kunyange hazvo mapurisa ari kuferefeta nezvemhirizhonga iyi, bato ravo richaitawo ongororo yaro, uye achawanikwa aine mhosva achatorerwa matanho.

Vamwe vakuru vakuru mubato reMDC-T voronga kubuda mubato iri nekuda kwekusawirirana nedanho rakatorwa nebato ravo rekuumba mubatanidzwa weMDC Alliance nemamwe mapato anopikisa neMugovera.

VeNational AIDS Council votsutsumwa nenyaya yekuti vemahotera havachabvumidzwa kupa vanhu vanopinda mumahotera makondomu pachena senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwani hweHIV, zvichitevera zvichemo zvakapihwa nevanoshanya kubva kunyika dzechitendero chechiMuslim.

Vagari vekumaruwa emudunhu reMasvingo vonyunyuta nezvavanoti zviri kuitwa nemamwe madzishe ayo vanoti ari kuudza vanhu kuti vanofanirwa kuenda kunonyoresa kuitira kuti vazovhotera Zanu PF musarudzo dzegore rinouya.

Chikwata chekumaruwa eMhondoro-Ngezi cheNgezi Platinum Stars chodzokera pamusoro pemakundano eCastle Lager Premier Soccer League mushure mekunorova How Mine 2-1 kuLuveve Stadium.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nyaya mhirizhonga yakaitika mubato reMDC-T kuBulawayo nezuro, uye kuumbwa kwemubatanidzwa weMDC Alliance neMugovera.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG