Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 03, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mapato manomwe ari kupinda mumubatanidzwa weMDC Alliance kuitira kuti vakunde Zanu PF musarudzo dzegore rinouya oita musangano neMugovera wekuparura mubatanidzwa uyu.

Sangano reNational Aids Council roshushikana zvichitevera kubviswa kwemakondomu mumahotera zvichitevera kunyunyuta kwevechitendero chichi Muslim.

Varimi vekuChimhanda vochema chema nekudzikira kwaita mvura yemudhamu ravo zvichikonzerwa nejecha razara mudhamu iri.

Mumwe mudzimai wechidiki, Muzvare Constate Karoro, uye ange ari muchirongwa cheMandela Washington Fellowship, anowana mubairo muWashington wezviuru gumi zvemadhora.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na8pm tiri kutarisa zuva rekuyamiswa kwevana pasi rose.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG