Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 02, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 02, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gavhuna weRBZ Dr John Mangudya voparura hurongwa hwekushandiswa kwemari hwepagore kana kuti monetary policy vachiti dhora remuZimbabwe harisi kuzodzoka kusvika zvinhu zvagadzikana munyaya dzezvehupfumi.

Vakawanda votyira kusagadzikana kwezvinhu munyika mushure mekurwisana kwemapurisa nemauto muHarare.

Mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party VaTendai Biti vanoti zvakakosha kuti mapato anopikisa awane nzira dzekushanda nevamwe vasati vapinda mumubatanidzwa uri kuumbwa vakaita saAmai Joyce Mujuru uye vamwe vari kuda kukwikwidza vakazvimirira.

ECOCASH yodzikisa mitero pakutumira mari nenharembozha.

Vanhu vekuManicaland vochema chema nenyaya yevemabhizimisi yekuramba kutambira kushandiswa kwemichina yechizvinozvino kana kuti maelectronic transfers pakutenga zvinhu.

Vechidiki vekuZimbabwe nedzimwe nyika vakauya pasi pechirongwa cheMandela Washington vopeta chirongwa chavo.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk Diaspora Forum nhasi, Jonga Kandemiiri naChris Gande vachange vachizeya mashoko ekuti Bato reANC muSouth Africa rinonzi riri kuronga kuti padzikwe mutemo unoderedza huwadu hwevanhu vekunze vanenge vachishanda munyika iyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG