Accessibility links

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 28, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vatori venhau voratidzira muHarare vachiti mapurisa ari kutyora kodzero dzavo.

Vechidiki veZanu PF mudunhu reMashonaland West vanomanikidza vemabhizinisi kuvhara mangwana vachiti munhu wese anofanirwa kunonzwa mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachitaura panhandare yemitambo paChinhoyi University of Technology.

Mapurisa nezvikonzi zvedare vanotora midziyo yebato rinopikisa reMDC pamuzinda waro weHarvest House muHarare zvichitevera kutadza kubhadhara chikwereti kwakaitwa nebato iri kune mumwe mushandi waro.

Mapato manomwe anopikisa munyika anosanganisa MDC-T, MDC, PDP, Transform Zimbabwe nemamwe otarisira kuumba mubatanidzwa unonzi MDC Alliance kukwikwidzana neZanu-PF musarudzo dzemuna 2018.

Mubato meZanu-PF moita makakatanwa otyirwa nevamwe kuti anogona kuguma odeura ropa apo nyaya inoti ndiyani achatora chigaro chaVaMugabe younza kunetsana kunotyisa.

Masangano akazvimirira oga anodarika makumi masere nemapfumbamwe oshora hurongwa hwekuvandudza bumbiro remutemo huri kuitwa neZanu-PF.

Munhau dzemitambo, tichakupai zviri kuitika mumitambo yeCastle Premier Soccer League uye kuvhurwa kwenhandare yeRufaro Stadium yange ichigadzirwa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa makakatanwa ari mubato reZanu-PF panyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chaVaRobert Mugabe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG