Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi Muvhuro, Kubvumbi 18, 2016


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Zimbabwe inosvitsa makore makumi matatu nematanhatu yawana kuzvitonga kuzere mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachiti vacharamba vachishandira nyika kudzamara zvinhu zvanaka.

Mapato anopikisa anoti akazvipira kushanda pamwe chete mukuunza rugare munyika izvo zvatadzwa kuitwa ne ZANU-PF.

Dr Patson Dzamara, mukoma wemurwiri wekodzero dzevanhu vaItai Dzama avo vakapambwa gore rapera vambochengetedzwa nekurohwa nemapurisa apo vainge vachiratidzira kunhandare yeNational Sports Stadium.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi nezvehutano dzinowirirana kuti hurumende iri kukundikana mukuwanisa veruzhinji hutano hwakanaka.

Chikwata cheChicken Inn chinosimudza mukomwe weIndependence Trophy mushure mekukunda Highlanders 2 kwa 1 kunhandare yeNational Sports Stadium.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa nezvezuva rekuwana kuzvitonga kuzere.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app nhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro, Kubvumbi 18, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG