Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu, Kurume, 11, 2016


Ini ndini Marvellous Mhlanga Nyahuye ndichiti heinoi misoro yenhau dzanhasI Chishanu, Kurume, 11, 2016.

Meya weGweru VaHamutendi Kombayi vachiri muhusungwa kubva zvavakasungwa nezuro vachipomerwa mhosva yehuwori.

Vamwe varume vanomwe vemuZimbabwe vamiswa pamberi pedare nhasi vachipomerwa mhosva ine chekuita nekuendesa vanhu muhunhapwa kuKuwait kana kuti Human trafficking vachivanyepera kuti vachawana mabasa epamusoro.

Chikamu chemutemo wePolice Act Chapter 70 chinotara mwedzi mitanhatu senguva yekumhan’ara kana munhu atyorerwa kodzero dzake nemapurisa chinonzi hachisi pamutemo.

Tine hurukuro nemuimbi Nyari Mashayamombe nezvedambarefu rake.

Nhengo yeBhodhi reZIFA VaEdzai Kasinauyo vanoti vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya panyaya yekupomerwa huori vachinzi vaida kutengesa mitamo yenhabvu.

Muchirongwa cheLivetalk- na 8:30 pm tiri kutarisa nyaya yekupomerwa kwevamwe huori kuZIFA uye mitambo iriko mukupera kwesvondo.

Kana muchida kutumira mashoko kuStudio7 muchishandisa WhatsApp, nhamba dzedu dzinoti + 1 202 465 0318.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860 ne 15460 kilohertzs pa shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu, Kurume 11, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG