Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Zvita 08, 2021 


Misooro yeNhau

Vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vamwe vanhu zviuru zvina nemakumi matatu nemumwe chete vakabatwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.

Komisheni inoona nezvekushanda kwematare, yeJudicial Service Commission, inozivisa nezvekuvharwa kwemahofisi ayo pamwe nemamwe matare edzimhosva munyika nekuda kwedenda reCovid-19.

Vanhu vakawanda vanoti hurumende haina gwara rakati tsvikiti rekurwisa kupararira kuri kuita mhando itsva yeCovid-19 yeOmicron Variant.

Chimwe chizvarwa chemuZimbabwe chiri muBritain chiri kutendwa zvikuru nekutungamira hurongwa hweguta reLondon hwekugadzira mabhazi anoshandisa simba remagetsi kwete peturu nedhiziri.

Vamwe varimi mudunhu reMashonaland West vanoti vave kutyira kuti mvura ichatadza kunaya zvakanaka gore rino izvo zvichavhiringa goho redunhu iri asi vamwe vahiti vachine tarisiro yekuti mvura ichanaya sezvo mwaka yashanduka.

Muchironga chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaTakawira Kapikinyu, avo vari mudunhu reMaryland muno muAmerica, vachishanda nerimwe sangano rinobatsira varombo pasi rose.

Muchirongwa cheLiveTalk Diaspora Forum na 8pm tiri kutarisa zviri kusangana pamwe nezviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika uyewo denda reCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG