Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu Ndira 06, 2021 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu makumi matatu nevana kana kuti 34 vakashaya nechirwere cheCovid-19 vamwe churu nemazana matatu nemakumi matanhatu nevashanu, kana kuti 1, 365 vakatapurirwa chirwere ichi.

Mutemo weNational Lockdown Level Four unopinda muzuva repiri nhasi vakafanobata chigaro chameya weHarare vachikurudzira vanhu vose kuti varemekedze mutemo uyu senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Amai Yevedzo Chitiga Sibanda, vanonyora bhuku rinodzidzisa vana mitauro miviri mikuru yeZimbabwe, Chishona neIsindebele, senzira yekubatsira mhuri dziri kunze kwenyika kuti vana vasarasa mitauro yavo.

Dare ramejasitiriti nhasi ratongera ma DJ matatu kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu mushure mekubata kwaravaita vaine mhosva yekuunganidza vanhu vachiridza mimhanzi vakamirira goredzva muHarare.

Georgia inosarudzo maseneti maviri kuti apinde mudare reSenate yemu America.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG