Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 14, 2021  


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vanhu zviuru zvina nemazana masere nemakumi manomwe nevaviri vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoparura hurongwa hwemapasipoti anoshandisa humhizha hwemadandemutande, kana kuti e-passports.

Nyanzvi munyaya dzemitemo nesarudzo dzinoti Zimbabwe inokwanisa kuita sarudzo dzakachena chete kana ikatevedza bumbiro remitemo yaro uye kana mauto akasapindira munyaya dzesarudzo nedzematongerwo enyika.

Meya weguta reGweru, VaJosia Makombe, vanokwidza zvechimbi chimbi kudare repamusoro vachikumbira dare iri kuti rimise nyaya yavo yekumiswa basa neMDC-T.

Kanzuru yeguta reBulawayo inoti zvakakosha kuti vechidiki vazive zvakanakira kudyara nekuchengetedzwa kwemiti kuitira rakanaka remangwana ravo.

Sangano revanofamba nemabhazi nemichovha, rePassengers Association of Zimbabwe, rinoti nhengo dzaro dziri kugutsikana nemamiriro ezvinhu munyaya dzekuwanikwa kwemafuta edzimotokari sezvo vafambi vasina kuwana dambudziko nhasi.

Kumboturiswa befu kwenguva yakareba pamitero kuri kuitwa makambani, zvikuru ekunze kwenyika, senzira yekukwezva makambani aya kuti auchike mari dzawo munyika kunonzi kuri kukanganisawo zvikuru kukura kwehupfumi hwenyika pamwe nekuwedzera huori.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika pnguva iyo Zimbabwe yakatarisana nedambudziko reOmicron Variant.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG