Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China, Zvita 20, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vadzidzisi vekumaruwa vari pasi pesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, vanosvitsa gwaro renyunyuto kugurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, mushure mekufamba netsoka kubva kwaMutare kusvika muHarare vachiratidzira.

Mhuri yevaimbova mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, inozivisa kuti nyaradzo yaVaTsvangirai ichaitwa musi wa 14 Kukadzi gore rinouya. Izvi zvinoitika gore rimwe chete mushure mekushaya kwavo nechirwere chegomarara.

Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoudza komiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto kuti mafuta edzimotokari akawandisa munyika, uye mitsetse iri kuonekwa pamagaraji, iri kukonzerwa nevanhu vari kutenga vachityira kuti mafuta aya achashaikwa munyika.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoshanyira vakweguri kuHighfields

Vanorarama neHIV/AIDS votadza kuwana mushonga inovakwanira inoderedza marwadzo anokonzerwa neHIV/AIDS, kana kuti Anti-Retrovial Drugs.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti munyika munofanirwa kuva nekutaurirana kuitira kuti zvinhu zviri kunetsa zvigadziriswe.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaCalisto Jokonya, vanodomwa sasachigaro webhodhi reZimra

Muchirongwa cheWomen’s RoundTablena 8pm tiri kutarisa gadziriro yezororo rekisimusi negore idzva.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau, China Zvita 20, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG