Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Dzanhai, China Nyamavhuvhu 19, 2021


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu makumi maviri nevashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu mazana mana nemakumi mashanu nevaviri vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vakawanda vari kumaruwa vanoti vari kutadza kubayiwa nhomba yeCovid-19 sezvo vari kure nenzvimbo dziri kubayirwa vanhu nhomba.

Nyanzvi mune zvehutano dziri kukurudzira kuti hurumende iise vanhu vanofamba vachibaya vanhu munzvimbo dziri kure nezvipatara.

Nyakusungirwa mhosva yekuitisa nhumbu musikana ane makore gumi nemana, uyo akashaya mushure mekusununguka, otarisirwa kumiswa mudare mangwana kwaMutare.

Hurumende, ichitsigirwa neUnicef, yokurudzira vose vakasiira zvidzidzo zvavo panzira nezvikonzero zvakasiyana kuti vadzokere kunopedzisa zvidzidzo zvavo.

Mapato eZanu-PF neMDC Alliance okakavadzana zvakasimba panyaya yemashoko emutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, ekuti VaNelson Chamisa vakakunda musarudzo, vakarwa muhondo yerusununguko havasi kuzovasiya vachitonga nyika.

Vagari vekuMasvingo vochema chema zvikuru nedambudziko rekushaya magetsi kwenguva yakareba.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nemadzimai munyika pamwe nemata,mbudziko avanosangana nawo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG