Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanoburitsa mazita emakambani pamwe nevanhu vanonzi vakaburitsa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo.

Musangano pakati pegurukota rezvehutano Doctor David Parirenyatwa navanachiremba navanamukoti vari kuramwa mabasa waitwa nhasi muHarare unotadza kuburitsa chimuko.

Varairidzi voronga kuramwa mabasa zvichitevera chisungo chabuda mumusangano waitwa nevamiriri vemasangano evarairidzi ose muHarare nhasi.

Sangano reUnited Nations rinoti riri kugutsikana negadziriro dzesarudzo yaitwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, panguva iyo vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kunyunyuta kuti vakabviswa zvisiri pamutemo.

Huwandu hwevanhu vanobva muChirundu neKariba vari kuenda kuzvipatara zvekuZambia kunorapwa hunokwira nekuda kwekuramwa mabasa kwavachiremba navanamukoti.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu muMDC-T zvichitevera musangano wakaitwa nezuro kuBulawayo nevari kuti ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri webato, Muzvare Thokozani Khupe, ukuwo vakasarudzwa nebato kuti vatungamire, VaNelson Chamisa vachiitawo mumwe musangano muGweru neMDC Alliance. Izvi zvave kureva here kutsemuka kwebato reMDC-T?

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am kubva neMuvhuro kusvika Chishanu.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.

Misoro yeNhau, Muvhuro, Kurume 19, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG