Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China Kurume 24, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vonanga kuJapan murwendo rwunonzi vakakokwa nemutungamiri wenyika iyi, asi vamwe vanoti uku kutambisa mari nekuti hapana chinobuda.

Nyanzvi dzozeya nyaya yeGukurahundi iyo yakonzera mutauro munyika.

Vamwe vakarwa hondo yerusununguko vanoti musangano wemutungamiri wenyika nevakarwa hondo hauna chaunobuditsa.

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva reWorld TB Day.

Muchirongwa cheLiveTalk Women's RoundTable na 8:30pm tiri kutarisa musangano uri kuitwa kumuzinda weUnited Nations muNew York wekuzeya matambudziko akatarisana nemadzimai pasi rose kana kuti UN Commision on the Status of Women.

Zimbabwe Yotamba neSwaziland mumakwikwi eAfrica Nations Cup.

Vanoda kupinda muchirongwa cheLiveTalk, kana kutumira mashoko pamwe nekukwazisa hama neshamwari, shandisai whats app nhamba dzedu dzinoti + 1 202 465 031

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG