Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri Kurume 22, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vakarwa hondo vanoti mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko, VaSaviour Kasukuwere, VaJonathan Moyo pamwe naVaKudzai Chipanga varasika gwara remusangano weZanu PF nekudaro ngavadzingwe mubato.

Asi VaChipanga, vanove mutevedzeri wemunyori muboka revechidiki vanoti zviri kutaurwa nevakarwa hondo ndezvemugotsi matsuro.

Varimi vatema vanonzi nehurumende vabhadhare mari yemitero yekuripa varimi vachena vakatorerwa minda kutanga muna 2000.

United Nations yoenderera mberi nekuzeya matambudziko ari kutarisana nemadzimai pasi rose kana kuti UN Commision On the Status of Women…Tine hurukuro nevamwe vari kumiririra Zimbabwe.

Muchirongwa chevechidiki-The Connection na 8:30pm tiri kutarisa nyaya yekupa vechidiki ruzivo rwekuti vazviitire mabasa avo..tichataura nevemasangano akazvimirira vakaita seZIMCET.

Vanoda kupinda muchirongwa cheLiveTalk, kana kutumira mashoko pamwe nekukwazisa hama neshamwari, shandisai whats app nhamba dzedu dzinoti + 1 202 465 0318.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG