Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Gunyaya 30, 2019

Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa votarsirwa kutura mashoko avo kumhuri yeZimbabwe eState of The Nation, SONA, mangwana masikati kudare reparamende, ukuwo nhengo dzeparamende dzebato rinopikisa reMDC dzichiti hadzisi kuzoteerera VaMnangagwa vachitaura sezvo bato radzo risingavacherechedze semutungamiri wenyika.

Mutengo wedhiziri nepeturu wakwidzwa zvakare nhasi, izvo zvinonzi nenyanzvi mune zveupfumi zvichaita kuti hupenyu hwevanhu vakawanda munyika hurambe huchioma.

Hupenyu hwevarwere hworamba huri munjodzi sezvo vana chiremba vari kuramba vakashinga nerekuti havazi kuzodzokera kumabasa kusvika hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.

Zvizwarwa zveZimbabwe zviri muBotswana nhasi zvabatana nezvizvarwa zvenyika iyi mukupemberera makore makumi mashanu nematatu nyika iyi yawana kuzvitonga kuzere. Botswana ndeimwe yenyika dzemuAfrica dzakazvipira mukubatsira Zimbabwe kuti isununguke.

Vadzidzi vepachikoro chepamusorosoro che Great Zimbabwe University vochema-chema mushure mekukwidzirwa mitengo yechikafu chavanodya pachikoro nezvikamu zana kubva muzana, izvo vanoti zvichaita kuti vatakatike nenzara.

Muchikamu chedu chehutano, nhasi tiri kutarisa nezvematambudziko emvura mumaguta akawanda emunyika, uye zvirwere zvinogona kukonzerwa nekushaikwa kwemvura yakachena.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nezviri kuitika munyaya dzemari munyika, uye kukwira kwemitengo yezvinhu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

XS
SM
MD
LG