Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Gunyana 23, 2019

Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vagari vekuMasvingo vanoti kunyange hazvo vachitsigira hurongwa hwekupa masimba kumatunhu kana kuti Devolution, chirongwa ichi hachisi kufambira mberi nekuda kwekuti hapana chido chekuchizadzikisa kubva kuvatungamiriri venyika.

Komiti dzeparamende dzinoona nezvehutano nekugara zvakanaka kwevana nekomiti inoona nezve HIV/AIDS dzinoita musangano neNational Aids Council pamwe nemamwe masangano pamusoro pekushomeka kwema ARV munyika.

Sangano ravanachiremba vemuzvipatara zvehurumende reZimbabwe Hospital Doctors Association, rinoti richaburitsa mashoko azere pamusoro pehutano hwevakafanobata chigaro chemutungamiri wesangano iri, Doctor Peter Magombeyi, avo vari muchipatara mushure mekupambwa nekushungurudzwa.

Mapato eZanu PF neMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa otaura pamusoro pekuratidzira kwakatora nzvimbo mukupera kwesvono kumusangano we United Nations General Assembly wechimakumi manomwe nena uri kuitwa kuNew York muAmerica.

Bazi rezvehutano rotarisirwa kuvhura muzvipatara zvaro zvese makirinika achabatsira vanenge vachishaya mbereko, izvo zviri kuwanikwa chete kumakirinika akazvimirira asi zvichidhurira veruzhinji.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kuda kunzwa pfungwa dzenyu pamusoro pezviri kuitika kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York, pamwe nemamiriro akaita zvinhu muzvipatara.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG