Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Gunyana 09, 2019


Misoro yeNhau

Mhuri yevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe yasimuka nhasi mangwanani yakananga kuSingapore kunotora mutumbi wavo, uyo unotarisirwa munyika nemusi weChitatu, kunyange hazvo pasati pajekeswa kuti vacharadzikwa kupi.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakatiza misha mumhirizhonga iri kuitika muSouth Africa zvichinogara mumakamba emapurisa zvochema-chema kuti muzinda wenyika muSouth Africa makare hauna zvauri kuzvibatsira nazvo.

Mapato akarwa hondo dzerusununguko muAfrica osangana kuVictoria Falls, uko ari kutsvaga nzira dzekuzvidzivirira kubva mukupambwa zvakare kwehupfumi hwenyika dzawo.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vagari vemuHarare vanofanirwa kugara vakafashaidza mvura yavanonwa mudzimba kuitira kuti vasabatwe nezvirwere zvemanyoka izvo zviri kubata vanhu vakawanda muguta iri sezvo vanhu vasiri kuwana mvura yakachena nguva dzose.

Vateveri vemutambo wenhabvu munyika vanoti vari kuda shanduko mumatambiro echikwata chavo chemaWarriors apo chiri kupinda munhandare neSomalia mangwana mumutambo we 2022 World Cup mushure mekushoresa zita renyika kwenguva refu.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nezvehurongwa hwekuti mutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe udzoswe kumusha, uye kusajekeswa kwekuti vacharadzikwa kupi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG