Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro Chikumi 28, 2021


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu gumi nemumwe (11) vakafa nechirwere cheCovid-19 zvakasiya vafa nechirwere ichi vave chiuru nemazana manomwe nemakumi matatu nevatanhatu, kana kuti 1 736.

Mutungamiriri wenyika yeSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, nezuro manheru vakazivisa kuti kutanga nhasi nyika yavo yapinda muchikamu chechina chekudzivirira kupararira kweCovid-19, kana kuti lockdown Level 4, kwemazuva gumi nemana ari kutevera, senzira yekuderedza kutekeshera kwedenda reCovid 19.

Boka reZimbabwe National Statistics Agency, Zimstat, rinoti mitengo yezvinhu yakaramba ichikwira mumwedzi uno panguva iyo mihoro yevazhinji isiri kuchinja.

Masangano akazvimirira munyika ari kushoropodza bato reZanu PF nekuapomera kwarinonzi rakaita mhosva yekupindira mune zvematongerwe enyika richiti mazhinji emasangano aya achamiswa kushanda munyika. Masangano aya anoti idzi inzira dzebato rinotonga iri dzekuda kumbunyikidza kodzero dzawo uye kuavharira kuti asaite basa rawo rekuva ziso revanhu nekurwira kodzero dzeveruzhinji.

Kuenderera mberi kwedenda reCovid 19 kwopinza vanorarama nehusope munguva yakaoma sezvo dambudziko iri riri kuvashaisa chekudya pamwe nemafuta avanozora kudzivirira gomarara reganda.

Vadzidzisi vanoshandira muBotswana vari zvizvarwa zveZimbabwe vanoti vari kufara zvikuru nedanho rakatorwa nehurumende yenyika iyi rekuronga kunge yabaya vadzidzisi vose mukupera kwemwedzi waChikunguru

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa dambudziko reCovid-19 pamwe nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG