Mutongi wedare repamusoro reHigh Court anopa mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, Muzvare Marry Mubaiwa, mukana wekubvisa mari yechibatiso inoita madhora zviuru makumi matanhatu panyaya mbiri dzavari kupomerwa kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.
Hurumende yeSouth Africa inodzika mutemo unorambidza vose vari kutsvaga hupoteri kana avo vari muhupoteri munyika iyi, kutaura kana kuita zvematongerwe enyika vari muSouth Africa. Asi masangano anomirira zvizvarwa zvekune dzimwe nyika ari kuronga kupikisa mutemo uyu.
Vakaremara votaura pamusoro pemamiriro akanga akaita gore ra2019, iro vakawanda vanoti ranga rakaoma zvikuru nekuda kwemamiriro ezvehupfumi munyika.
Sangano rinomirira vanotenga nekutengesa kunze kwenyika, reInternational Cross Border Traders Association, rinokurudzira vari kushandisa miganhu yenyika, zvikuru vari kubuda munyika, kuti vashandise miganhu yose, sezvo vanhu vari kunzi vawandisa pamuganhu weBeitbridge.
Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00pm nhasi tichange tichitarisa nezvematambudziko anonzi ari kusanganikwa nawo nevanhu pamiganhu yenyika, zvikuru vari kubuda munyika vachishandisa muganhu weBeitbridge.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum