Mudzimai wemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, Muzvare Marry Chiwenga, vacharamba vari muhusungwa zvichitevera danho ratorwa nemutongi wedare ramejasitiriti, VaChrispen Mberewere, vavati varambe vakachengetedzwa mujeri kusvika musi wa 14 Ndira gore rinouya, apo vanotarisirwa kudzoka kudare zvakare kuzonzwa nyaya dzavo.
Kanzuru yeguta reHarare inoti ine hurongwa hwekugadzirisa migwagwa mukati meguta reHarare, kuvaka zvikoro zvitatu, pamwe nekuwanisa vagary mvura yakachena mugore ra 2020.
Sangano remadzimai, reWomen’s Coalition of Zimbabwe robatsira madzimai emuGweru kuti akwanise kuzviriritira kuburikidza nekuvadzidzisa kuita mabasa emaoko.
Mamwe madzimai anorarama nehutachiwana hweHIV/Aids anoti chero zvazvo ari kunwa mishonga yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, haasi kuziva huwandu hwemasoja anorwisa hutachiwana uhwu mumiviri yavo nekuti haasi kupiwa magwaro anoratidza kuti mishonga iyi iri kuvashandira zvakanaka here kana kuti kwete.
Nhasi tiri kutarisa gore ra 2019 munyaya dzezvemitambo kuti chii charakaigira nyika, uye kuti zvii zvingatarisirwa mugore ra 2020 rinove ratave kupinda.
Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa gore ra 2019 rave kusvika kumagumo. Chii chamakaita kana kuwana muna 2019? Zvii zvakaitika muhupenyu hwenyu?
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.