Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Zvita 28, 2020
Vanhu makumi mana nevaviri kana kuti 42 vafa nechirwere cheCovid-19 mukati memavhiki maviri adarika mushure mekunge bazi rezvehutano razivisa nezuro nezvekufa kwevamwe vanhu vasere.
Mushure mekongiresi yaive nemhirizhonga nekukandirana makobvu nematate, remangwana rebato reMDC-T harina kujeka.
Vanhu gumi nevanomwe vofa munjodzi yemumugwagwa weHarare-Nyamapanda.
Mumwe mejastiriti akasungwa achipomerwa mhosva yehuori, VaMorgan Nemadire vomiswa pamberi pedare asi vachipihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Chikumbiro chameya weHarare, VaJacob Mafume, chekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso chotadza kunzwikwa nedare nhasi sezvo vachuchisi vati havana kugadzirira.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vanosaina bhiri rinobvumidza kuvepo kwemari inota $2.3 trillion yekubatsira mapazi ehurumende kuti akwanise kuramba achishanda, danho rakamisa kumbovharwa kwemamwe mapazi ehurumende kutanga nemusi weChipiri. Mari iyi inosanganisirawo $900 billion yekubatsira vanhu pamwe nemakambani munguva ino ye coronavirus.
Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8 pm, tiri kutarisa nezvakabuda kukongiresi yeMDC-T, nyaya yechirwere cheCovid-19 uye rwendo rwekutambidzana masimba ehutungamiri muAmerica.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum