Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Zvita 16, 2019


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mudzimai wemutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, Amai Marry Mubaiwa Chiwenga, vanomiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuda kuuraya murume wavo, kuburitsa mazakwatira emari kunze kwenyika, pamwe nekufojera magwaro emuchato wavo naVaChiwenga….

Ishe Felix Nhlanhlayamangwe Ndiweni voronga kukwira kudare repamusoro reHigh Court vachipikisa danho rakatorwa nehurumende munguva pfupi yapfuura rekuvaturunura hushe.

Sangano idzva rinomirira vanachiremba, reProgressive Doctors Association of Zimbabwe, iro rakaparurwa neMugovera, rinoramba mashoko ekuti rakaumbirwa kuti rikonzere kupatsanurana kwavanachiremba…

Kanzuru yeguta reHarare inopiwa rubatsiro rwemari inoita zana rechiuru chemadhora ekuAmerica nesangano reBloomberg Foundation, iyo ichabatsira mukurwiswa kwezvirwere zvisingatapuriranwe….

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende umo vanhu vakawanda vanoti vari kutadza kuwana rubatsiro kana vachinge vaenda nevarwere vavo kuzvipatara izvi. Izvi zviri kuitikawo panguva iyo madhokotera ari kuti haakwanisi kuenda kubasa sezvo mari dzaanotambira dziri shoma.

Chikwata cheFC Platinum chinoti hachisi kutenga vatambi vatsva vakawanda kunyange hazvo chiri kutatarika mumakundano eCaf Champions League…

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika, zvinosanganisira kusungwa kwaAmai Marry Mubaiwa Chiwenga, kubviswa pahushe kwaIshe Ndiweni nemamiriro akaita zvinhu muzvipatara.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG