Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 03, 2021


Misoro yenhau dzeShona

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu gumi nemumwe (11) vakafa nechirwere checovid-19 munyika yose, uye vamwe vanhu zana nemakumi mashanu nevasere (158) vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, votarisirwa kuvhura zviri pamutemo matare edzimhsova achangopera kuvakwa muChinhoyi.

Dare redzimhosva rekwaMutare rinoramba zvakare kupa mukana
wekubvisa mari yechibatiso kumurume akasungirwa mhosva yekuitisa
pamuviri mwanasikana aive nemakore gumi nemashanu, Anna Machaya, uyo
akazoshaya panguva iyo aisununguka.

Bato rezvematongerwo enyika reLEAD roenda kudare reConstitutional Court nenyaya yekuti mitemo inochengetedza vana vadiki igadziriswe kuitira kuti ienderane nezviri mubumbiro remitemo yenyika senzira yekupedza kuroodzwa kwevana vasati vabva zera.

Bato reMDC Alliance rinoti rakaita ongororo yemuzvikoro iyo inoratidza kuti zvinhu zvakaita manyama amire nerongo, uye hapana kudzidzwa kuri kuitwa sezvo varairidzi vakawanda vasiri kuenda kumabasa.

Chikwata chenhabvu chenyika, chemaWarriors, chotashurana nechikwata cheSouth Africa mumakwikwi enzira yekuenda kumakundano enhabvu epasi rose, eWorld Cup.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yedenda reCovid-19 pamwewo negungano reZim Expo, riri kutanga nhasi kuDallas, mudunhu reTexas muno muAmerica.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG