Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu Mbudzi 29, 2019


Misoro yeNhau

Magweta anoratidzira muHarare achinyunyuta nekwaanoti kushungurudzwa nemapurisa.

Zimbabwe neUNICEF dzinobatana mukucherechedza makore makumi matatu echisungo chekucherechedzwa kwekodzero dzevana pasi rose, cheUnited Nations Convention on the Rights of the Child, mutungamiriri wenyika wevechidiki, Mukudzeishe Madzivire achiti vechidiki vanodawo kupa pfungwa dzavo pakuumbwa kwemitemo pamwe nepanotorwa matanho ese ane chekuita navo.

Paita mheremhere pamahofisi ekwa Registrar-General panotorerwa mapasipoti muChinhoyi nhasi apo vanhu vakawandisa vasundana kuti vaforere magwaro ekufambisa aya.

Zvinhu zvoramba zvichiondomoka muzvipatara zvehurumende zvemunyika nekuda kwekuramwa mabasa kwavanachiremba, avo vava nemwedzi mitatu vachiti mari yavari kutambira yave shoma zvikuru zvekuti haina zvaichatenga.

Chikwata cheHighlanders chotarisira kupedza nhomba yemakore matanhatu chisina kutora mukombe mukuru apo chiri kupinda mufainari yeChibuku Super Cup neNgezi Platinum Stars muBarbourfields Stadium mangwana.

Muchirongwa chedu che LiveTalk na8 pm nhasi, tiri kutarisa kuramba zvinhu zvooma mune zvehutano nekuda kwekuramwa mabasa kwavanachiremba, uye danho rehurumende rekuti vanachiremba vakadzingwa mabasa vadzoke kumabasa mukati memazuva maviri.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG