Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 19, 2021 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu makumi matatu nevatanhatu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye hapana munhu akashaya nekuda kwechirwere ichi.

Muzvare Marry Mubaiwa vopikisa kudare repamusoro mutongo wamajesitireti wekuti vagare mujeri kwemazuva gumi.

Vagari vemuguta reMasvingo vari kuramba kutambira bhajeti rekanzuru yavo regore rinouya remadhora mabhiriyoni mana vachiti rakakurisa uye vagari vazhinji vachatadza kubhadhara mitero nekuda kwekuoma kwakaita hupenyu munyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSeshego, Polokwane, Mankweng, neWesternburg mudunhu reLimpopo muSouth Africa zvogara zvakabatira ura mumaoko zvichityira kurwiswa nevagari vemunzvimbo idzi mushure mekusungwa uye kumiswa pamberi pedare kwechizvarwa cheZimbabwe chichipomerwa mhosva yekuponda madzimai manomwe gore rino.

Botswana inoti iri mubishi rekuti iwane mukana wekuti muzinda wesangano rinoona nezvekutengeswa kwemangoda zviri pamutemo, weKimberly Process, uvakirwe munyika iyi.

Sangano rePremier Soccer League radzikisa mari inobhadharwa pagedhe kuitira kuti vanhu vapinde munhandare kunoona mitambo kusvika pamadhora matatu kubva pamadhora gumi

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG