Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chishanu, Zvita 16, 2016


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Kupesana kuri muZanu PF kunobuda kumusangano wepagore webato iri - zvikwata zve Team Lacoste ne G40 zvichiimba nziyo dzakasiyana dzinotsigira vanhu vazvinoda VaMugabe vasati vavhura musangano uyu zviri pamutemo.

Vabereki vakawanda vochema chema nehurongwa hwebazi rezvedzidzo hwekuti vanyorese vana vavo pa internet kuitira kuti vawane nzvimbo dzekudzidza muzvikoro gore rinouya

Studio7 inotarisa zvakaitika kuBritain uko kwaizeyiwa chibvumirano cheLancaster House Agreement

Mumwe munhu akaberekwa muZimbabwe ari murume anozvichinja kuita munhukadzi

Muchirongwa chedu cheLiveTalk nhasi na 8:00pm tiri kuzeya zvakabatsirwa kana kutadza kubatsirwa nechibvumirano cheLancaster House Agreement.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu, Zvita 16, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG