Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, China, Zvita 15, 2016


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mvura yotarisirwa kunaya zvakanyanyisa kwemazuva masere kubva nezuro, Zvita 14 kusvika 22 Zvita 2016.

Nhengo dzeZanu PF dzinoenderera mberi dzichinyoresa mazita adzo kuitira kuti dzipinde mumusangano weZanu PF Annual Conference uchavhurwa mangwana zviri pamutemo nemutungamiri webato iri ari zvakare mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Studio7 inotarisa zvakaitika kuBritain uko kwaizeyiwa chibvumirano cheLancaster House Agreement.

Muchirongwa chedu che Women’s Roundtable nhasi na 8:00pm tiri kutarisa zviri kuitwa nemadzimai mugadziriro yezororo rekisimusi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro Yenhau Dzanhasi China, Zvita 15, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG