Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Muvhuro, Zvita 12, 2016.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Nhengo nhatu dzeMDC dzekuwanikwa dziine mhosva yekuuraya mupurisa muGlen View dzinotongerwa kugara mujeri kwemakore makumi maviri pamunhu.

Mutauro woitika pahurongwa hwekutsvaga achava mutongi mukuru wematare edzimhosva, kana kuti Chief Justice.

Musangano wepagore weZanu PF wotanga mangwana kuMasvingo mubato iri muine makakatanwa.

Nigel Mugamu uyo anozivikanwa nekuti Sir Nigel ve263 chat woita mumwe wevanhu vakawana mubayiro we Young Achievers Award.

Muchirongwa chedu che LiveTalk nhasi tiri kutarisa makakatanwa ari kubuda muchirongwa chekutsvaga munhu achatora basa raiitwa na Chief Justice Godfrey Chidyausiku.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro, Zvita 12, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG