Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chishanu Zvita 9, 2016


Nhau DzeShona Studio7

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu rinoti Amai Grace Mugabe vanofanira kuongororwa nevemitero veZIMRA nevezvehuwori veZACC kuti mari yekutenga ring inosvika miriyoni nemazana mana emadhora vakaiwana kupi vanhu vachinonga svosve nemuromo.

Transform Zimbabwe yosangana mangwana kuti ibude nechisungo chekuti yobatana nani munhaurirano dzemapato ezvematongerwo enyika ari kuda kuumba mubatanidzwa.

Zimbabwe Lawyers For Human Rights yovhura muzinda mutsva nhasi muHarare apo nyika yotarisira kubatana nedzimwe nyika pasi rose kucherechedza zuva rekodzero dzevanhu kana kuti Human Rights Day.

Vatsigiri venhabvu vari kuyambira Caps United kuti inofanira kutenga vatambi vatsva kana ichitarisira kuita zvakanaka muCAF Champions League.

Mutungamiri wePDP VaTendai Biti voshora bhajeti rakaturwa negurukota rezvehupfumi vaPatrick Chinamasa vachiti kuteya nzou neriva.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na 8;00 pm tiri kutarisa nezvebhajeti regore rinouya rakaturwa navaChinamasa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA SHONA nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu, Zvita 9, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG