Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 20, 2021 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Dare redzimhosva rekwaMutare rinonyima mukana wekubvisa mari chibatiso murume akasungirwa mhosva yekuitisa pamuviri mwanasikana aive nemakore gumi nemashanu, Anna Machaya, uyo akashaya panguva iyo aisununguka mwana wake.

Sangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, raenda kumatare nechikumbiro chechimbichimbi chekuti vashandi vasamanikidzwe kubayiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 richiti zviri kuitwa pari zvino zviri kutyora kodzero dzevashandi.

Vanhu gumi nevanomwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu mazana mana nevana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare panguva iyo vanhu vakabayiwa nhomba yekutanga yeCovaxin vari kuchema nerekuti havasati vabayiwa nhomba yepiri sezvo Covaxin isiri kuwanikwa munzvimbo dzavanogara.

Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanodoma makurukota ehurumende yavo kana kuti shadow ministers, makumi maviri nematanhatu, pamwe nemamwe gumi achange ari makurukota ematunhu, kana kuti provincial ministers.

Masangano onoongorora sarudzo munyika anoti zvakakosha kuti vavhoti vachengetedze vhoti yavo kwete kumirira kuti ichengetedzwe nevanenge vakamirira mapato kana kuti party election agents pamwe nevanoongorora sarudzo.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu verudzi rweKhoisan muSADC anoti ava kuita muonera pamwe chuma chemuzukuru nechinangwa chekuona kuti vanhu ava vawaniswa mikana yakaenzana munyaya dzedzidzo, hupfumi nebudiriro.

Murairidzi wemaWarriors Zdravko Logarusic anoti Zimbabwe haifanire kutarisira Malawi pasi mumakundano eAfcon 2021.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG