Accessibility links

Breaking News

Kuwaniswa kweMagwaro Kwotarisirwa Kubatsira Mhuri Dzakabva kuZimbabwe Dzigere muKenya


Vamwe vabereki verudzi rweShona kuKenya vachitambira magwaro ekuberekwa evana vavo. (mufananidzo; Chief Joshua Kimemia)

Hupenyu hunonzi hwave kuzoshanduka kumhuri dzinodarika zviuru zvina dziri muKenya dzine madzibaba akabva kuZimbabwe kare kare.

Mhuri idzi dzave kuzivikanwa serudzi rwevaShona muKenya.

Kuwaniswa magwaro uku kunotevera danho rakatorwa nehurumende yenyika iyi, rekutanga kupa magwaro ekuzvarwa kuvana vemhuri idzi.

Mhuri idzi dzanga dzave nemakore anodarika makumi mashanu nematanhatu dzichizivikanwa sevanhu vasina nyika yadzinoti yadzo.

Rudzi rwevaShona urwu rwakatanga kupinda muKenya mugore ra1962 rwuchitungamirirwa naVaJohanne Masowe, avo vaifamba vachiparidza shoko nechechi yavo yeJohanne Masowe.

Varume gumi nevaviri vakatanga kupinda munyika iyi vakasvikira mudunhu reNgong, vakazoita mhuri dzavo nekuzotama vachinogara kuKiambaa mudunhu reKiambu pasi paIshe Joshua Kimemia, uko vachiri kugara nanhasi.

Mumwe wevatungamiri wemhuri idzi, VaOliver Muregerera, vanoti chikuru chakaita kuti madzibaba avo agare muKenya kutambirwa zvakanaka kwavakaitwa nevakave mutungamiri weKenya wekutanga, VaJomo Kenyatta.

VaMuregerera vanoti hupenyu hwavo hwakazotanga kuvaomera mushure mekushaya kwaVaKenyatta, VaDaniel Arap Moi vachive mutungamiri wenyika iyi, vachiti VaMoi vakadzika mutemo wekuti vese vainge vasiri zvizvarwa zveKenya, vadzokere kumisha yavo.

Asi vanoti danho razotorwa nehurumende yaVaUhuru Kenyatta rekuvacherechedza kuburikidza nekutanga kuchivapa magwaro richavabatsira zvikuru sezvo kwemakore akawanda vakanga vachitadza kuita zvinhu zvinopundutsa hupenyu hwavo nekuda kwekushaya magwaro.

Masvondo mashoma adarika, hurumende yeKenya yakazotanga kupa vamwe vemhuri idzi magwaro ekuberekwa, izvo zvakaona vana vanokwana kuita mazana matanhatu vachipiwa magwaro.

VaMuregerera vanoti magwaro ekuberekwa aya achabatsira zvikuru vana vavo kuitira kuti vaende kuzvikoro pamwe nekuwana mabasa, uyewo kuti ivo vechikuru vakwanisewo kutengesa zvigadzirwa zvavo vakasununguka vasingasungwe.

Vanoti vanga vachinetseka zvikuru kuti vatengese zvinhu zvavo, kunyoresa nharembozha kana kuvhura mabhizimusi chaiko vachitya kusungwa.

Hurukuro naVaOliver Muregerera
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG