Accessibility links

Breaking News

Madzimai Akasungwa kwaMutoko Mushure meKuratidzira kweARTUZ Anobvisiswa Mari yeChibatiso


Madzimai manomwe akasungwa kwaMutoko mushure mekubatana neARTUZ mukuratidzira kunonzi nemapurisa kwaive kunze kwemutemo.
Madzimai manomwe akasungwa kwaMutoko mushure mekubatana neARTUZ mukuratidzira kunonzi nemapurisa kwaive kunze kwemutemo.

Dare redzimhosva kwaMutoko rapa mukana wekubvisa mari yechibatiso kumadzimai manomwe akasungwa nemusi weChina mushure mekunge apinda mukuratidzira kunonzi nemapurisa kwaive kunze kwemutemo, kwakanga kwakarongwa nesangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ.

Gweta riri kumirira vanomwe ava, Amai Ntokozo Dube-Tachiona, vekuZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti madzimai aya abvisiswa mari yechibatiso inoita zana remadhora pamunhu, uye vanotarisirwa kudzoka zvakare kudare musi wa7 Kurume 2020.

Vakasungwa ava vanoti Amai Precious Kanyuchi, Amau Snath Kadoro, Amai Ruth Kurebwaseka, Amai Previous Chari, Amai Nomatter Chiripanyanga, Amai Peace Chari pamwe naAmai Memory Kasaira.

Amai Dube-Tachiona vanoti mapurisa ambosungawo zvakare nhengo ina dzeARTUZ, dzinoti munyori wesangano iri, VaRobosn Chere, VaTakemore Mhlanga, VaTryvine Musokeri pamwe naVaWellington Gweshe, asi vana ava vazoregwa pasina mhosva yavapomerwa, mapurisa achiti anozovadana kana paine zvaanoda.

Asi mapurisa anonzi ave kutsvaga mutungamiri wesangano reARTUZ, VaObert Masaraure, avo vanonzi ndivo vakaronga musangano uyu.

Zvichakadaro, mapurisa emuHarare anonzi akasungawo VaMakomborero Haruzivishe pamwe naVaAllan Moyo zvichitevera kuratidzira kwakaitwa nevechidiki veMDC muguta iri manheru emusi weChitatu.

Vaviri ava vanonzi vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare neMugovera vachipopmerwa mhosva yekuratidzira zviri kunze kwemutemo. Studio 7 yakundikana kubata mutauriri wemapurisa, Assitant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe zvizhinji pamusoro penyaya iyi.

Hurukuro naAmai Ntokozo Dube-Tachiona
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG