Accessibility links

Breaking News

Nigel Mugamo we263 Chat Anowana Mubayiro we Young Achievers Award


VaNigel Mugamo - Sir Nigel 263 Chat
VaNigel Mugamo - Sir Nigel 263 Chat

Mumwe muzvina bhizinesi wechidiki, vaNigel Mugamu, avo vanozivikanwa nerekuti Sir Nigel ve263 Chat, vanoti vari kufara nekunge vari mumwe wevanhu vakawana mubayiro we Young Achievers Award wakakokerwa nebepa re Techno Mag.

Mumwe muzvinabhizinesi wechidiki, VaNigel Mugamu, avo vanozivikanwa nerekuti Sir Nigel ve263 Chat, vanoti vari kufara nekunge vari mumwe wevanhu vakawana mubayiro we Young Achievers Award wakakokerwa nebepa re Techno Mag.

VaMugamu vanoti izvi zviri kuvabatsira kuti basa ravari kuita rienderere mberi nemutsindo kunyangwe zvazvo zvinhu zvakawoma manyika.

Mibairo iyi yakapihwa vakaita mabasa anonwisa mvura munyaya dzehumhizha mugore ra 2016.

Vakokeri vemubairo uyu vakange vakabatana nehurumende nemakambani akazvimirira pachiitiko ichi.

"Tiri kutarisira kuita mabasa akawanda gore rinouya mubasa redu rehumhizha nekuti vanhu vari kuda kuwana nyaya dzakasiyana siyana dzichango burwa. Nzira dzirikunyanyo farirwa nevanhu mukuwana nhau dzinosanganisira Facebook ne WhatsApp pari zvino asi mubairo watakawana ndewekuve kambani ine hunyanzvi munyaya dzekupakura nhau paTwitter," Va Mugamu vaudza Studio 7.

VaMugamu vanoti vakawana rumwe ruzivo kubva kune zvidzidzo zvavakawana kubva kuzvirongwa zvaikokerwa nemuzinda weAmerica uri muZimbabwe zvakava tumidzira kunyika yeAmerica munguva yapfuura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG