Accessibility links

Breaking News

Umwe Mukuru Wesangano Rinomirira Vashandi VeMenisiparati YeChitungwiza Anombomiswa Basa


Ephraim Katsina
Ephraim Katsina

Menisiparati yeChitungwiza yambomisa basa mukuru we St Marys Clinic, Sister Shingirai Tsvangirai, zvichitevera kushanda zvishomazvishoma kwakatangwa kuitwa nevashandi svondo rapera. Vashandi vemenisiparati varikuratidzira vachiti vanoda kupiwa mbatya dzekuzvidzivirira kana vari pabasa, uye vanoda mari yekuenda kumabasa sezvo vamwe vavo vachifamba mamaira matanhatu netsoka kuenda kumabasa avo. Vanotizve havasi kupiwa mihoro yavo. Pamusoro pekuva Sister-In-Charge veSt Mary's Clinic, Sister Tsvangirai mutevedzeri wemutungamiri wesangano rinomirira vashandi, reChitungwiza Municipal Workers Union. Mutungamiri wesangano iri, VaEphraim Katsina, vaudza Studio 7 kuti vakuru mumenisiparati vagara vachishora Sister Tsvangirai vachiti vanotaurisa mumisangano yevashandi. VaKatsina vanoti vashandi vashatirwa zvikuru pavanzwa nezvekumbomiswa basa kwaSister Tsvangirai vakabvumirana kuti vave kuregera zvekuratidzira vachiti vave kutangidza kuramwa mabasa. Taedza kutaura ne vakafanobata chigaro chemunyori weguta reChitungwiza, Dr Tonderai Kasu, vakatitumira gwaro vachiti ichokwadi kuti Sister Tsvangirai vambomiswa basa, vachiti havagoni kutaura zvakawanda sezvo nyaya iyi ichiri kukurukurwa kuona zvakakanganiswa naSister Tsvangirai uye kuona kuti vanorangwa sei kana vaine mhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG