Zvinonzi zvinhu zvakaita manyama amire nerongo nezuro kumusangano weparamende yemuAfrica, wePan Africa Parliament (PAP) uri kuitwa kuSouth Africa mushure mekunge nhengo dzeparamende dzinobva kunyika dzemuAfrica dzatadza kuwirirana panyaya yekusarudza mutungamiri weparamende iyi mutsva.
Vamiriri veparamende dzenyika dzekuchamhembe kweAfrica, kusanganisira Zimbabwe, vanonzi vari kutsigira pfungwa yekuti hutungamiri hunge huchichinjanwa nematunhu, asi vekunyika dzekumawirira, vanonzi vari kuramba hurongwa hwekuchinjana vachida kuti mutungamiri aite zvekusarudzwa.
Nhengo yeZimbabwe, Amai Barbara Rwodzi, vanoonekwa mumavhidhiyo vachibvutirana bhokisi rekuvhotera neimwe nhengo, vachishevedzera kuti kana pasina kutenderedzwa kwehutungamiri hakuna sarudzo.
Pari zvino vamiriri vekuchamhembe vanonzi vari kuda kuti vakafanobata chigaro, VaFortune Charumbira, vekuZimbabwe, vasarudzwe kuve mutungamiri, danho riri kurambwa nenyika dzekumawirira.
Vamiriri ava vakaonekwa pazvivhitivhiti vachirwirana bhokisi rekuvhotera. Zvinonzi pave kumirirwa gwara rinobva kuAfrican Union kuti musangano uyu ungaenda mberi sei, kunyange hazvo AU ichinzi iri kutsigira kuchinjanwa kwehutungamiri.
Musangano uyu wakambokanganiswa zvakare svondo rapera mushure mekunge panzi paita mumwe mushandi ainzi akawanikwa aine Covid-19. NeChishanu musangano uyu unonzi wakakanganiswa zvakare mushure mekunge mutungamiri webato reEconomic Freedom Fighters, VaJulius Malema, vanzi vakatyisidzirira imwe nhengo yemusangano uyu inobva kuMali nerufu.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology, Doctor Ricky Mukonza, vanoti kunyange hazvo zviri kuitika kumusangano uyu zvisingatarisirwi kunge zvichiitwa nevamiriri veparamende, zvakakosha chose kuti husachigaro hunge huchichinjanwa nematunhu kwete kuramba huri kumadokero chete.
Facebook Forum