Accessibility links

Breaking News

VaWebster Shamu Voshorwa Zvichitevera Zvipo zveMomber Zvavakapa VaMnangagwa


VaWebster Shamu
VaWebster Shamu

Vamwe vagari vemuChinhoyi vari kushoropodza tsika yekupa zvipo zvisina mwero kuvatungamiri venyika vachiti kuita kwakadai imviromviro yehuori.

Zvichitevera chipo chedanga remombe dzinosvika gumi neshanu dzakapihwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa negurukota rezvematunhu muMashonaland West, VaWebster Shamu svondo rakapera, vamwe vagari vanoshoropodza izvi vachiti zvinokudziridza huori munyika sezvo mutungamiri wenyika anotadza kutora matanho akaomarara kana mupi wechipo achinge akanganisa.

VaShamu vanoti vakapa VaMnangagwa chipo chemombe vachiti dzakabva kunhengo dzeZanu PF mumatunhu madiki muMashonaland West.

Mumwe mugari wemuChinhoyi, VaBenedict Svova, vanoti zvipo zvinopofomodza nekudaro chinhu chakaipa chinokonzera kuti vanhu vazopedzesera vanamata vatungamiri.

VaSvova vanoti zvipo zvisina mwero kunenge kwave kutenga mukuru izvo zvinoita kuti akakanganisa anozongoregererwa nepasingaite.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari, VaAleck Chinowaita, avo vanoti tsika yekupa vatungamiri zvipo inofanirwa kurambidzwa sezvo zvichikanganisa mafungiro avo.

Munyori mukuru mubato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti zvipo kuvatungamiri imviromviro dzehuori.

VaMwonzora vanoti hapana mutemo unorambidza kupa zvipo kune mutungamiri wenyika asi vanoti zvakakosha kuti pave nemutemo kudzivirira huori.

Vamwe vanhu vanoti mbavha dzemuhurumende dzinopa zvipo kuvatungamiri venyika kuti pashaye zvavanoitwa kana vabatwa kana kuregererwa kana vatongerwa nguva mujeri.

Dzimwe nyika dzinopa muganhu wehuwandu kana hukoshi hwezvipo zvinofanirwa kupihwa mutungamiri wenyika vachiti kana zvakawandisa zvinoenda kuhurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG