Accessibility links

Breaking News

Madhokotera Makuru Oramwawo Mabasa


Protesting doctors in Zimbabwe ...
Protesting doctors in Zimbabwe ...

Vanachiremba vari pasi pesangano reSenior Hospital Doctors’ Association, vatangawo kuramwa mabasa nhasi vachitsutsumwe nenyaya yemihoro pamwe nekusamira zvakanaka kwezvinhu muzvipatara zvehurumende, izvo zvasiya hupenyu hwevarwere vakawanda huri parumananzombe.

Vanachiremba ava vakange vazivisa hurumende kuti igadzirise zviri kunetsa nechimbi-chimbi, kutadza kwayo vopinda mukuramwa mabasa kutanga nhasi.

Kunyange hazvo vamiririri vana chiremba vakuru vaita musangano nebazi rezveutano nhasi, hatina kukwanisa kunzwa zvabuda mumusangano uyu.

Kuramwa basa kwavana chiremba vakuru ava kunouyawo panguva iyo vana chiremba vadiki vasiri kuendawo kubasa.

Nhengo dzeZimbabwe Hosptital Doctors’ Association dzakatanga kusaenda kubasa musi wa3 Gunyana dzichitiwo hadzina zvikwanisiro zvekuti dziende kumabasa.

Kuramwa basa kwana chiremba uku kwasiyawo varwere vasina mari vachitambura sezvo vasingakwanise kuenda kuzvipatara zvakazvimirira, izvo zvinodhura.

Mumwe wevarwere vava kutyira hupenyu hwavo, Amai Mercy Mutanda, avo vane chirwere chegomarara vanga vauya pachipatara cheParirenyatwa kuzoitwa Chemotherapy, vanoti vakamiswa kurapwa nekuda kwekushaikwa kwavana chiremba.

Kusavapo kwanachiremba uku kuri kukonzerawo kuti varwere vari muzvipatara zvehurumende vabudiswe hutano hwavo huchiri panjodzi.

Amai Beauty Mubai vanoti baba vavo vakangobudiswa muParirenyatwa vachiri kurwara.

Amai Mubai, avo vanga vari kuParirenyatwa, vati kunyange ongororo dzakaitwa baba vavo dzakabuda, havana kukwanisa kuwana chiremba wekuti avatsanangurire zvakabuda izvi, zvokuti havachazivi zvekuita.

Vana chiremba vanoti vanoda kuti hurumende iwedzere mari dzemihoro pamwe nekuvawanisa zvikwanisiro zvekuti vakwanise kushanda zvakanaka mazuva ose.

Sangano reZHDA rinoti rine vana chiremba vari muzvipatara zvehurumende vanodarika chiuru nemazana mashanu.

Vana chiremba musangano reZHDA vakaratidzira pachipatara cheParirenyatwa neChitatu vachitsutsumwa nekusawana mhinduro kubva kuHealth Services Board pazvichemo zvavakaendesa.

Ukuwo Sangano reHealth Services Board rinoti riri kuongorora kuti dambudziko revashandi vezveutano ringagadziriswa sei.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG