Accessibility links

Breaking News

Seke South Clinic Yomboshandiswa Senzvimbo Yekuongorora neKurapa Vane Coronavirus


Mutauriri weKanzuru yeguta reChitungwiza, VaLovemore Meya

Menisiparati yeChitungwiza inozivisa vagari veguta iri kuti kanzuru yavo yakabvumirana kuti Seke South Clinic imboshandiswa senzvimbo yekuongorora nekurapa vanhu vane chirwere che Coronavirus. Mutauriri wemenisiparari yeChitungwiza, VaLovemore Meya, vati parizvino vagari veChitungwiza vanofanirwa kushandisa mamwe makiriniki eChitungwiza, akaita se St Marys, Zengeza 3 ne Seke North sezvo kiriniki ye Seke South yambomira kutora varwere vesevese, kunze kweavo vari kurapwa kana kuongororwa chirwere che coronavirus. Coronavirus.

Izvi zvinotevera kunyunyuta kwesangano rinomirira vagari veChitungwiza, reChitungwiza Residents Trust, iro rinoti madzimai anepamuviri arikudzorerwa kudzimba kana vaenda kunotsvaka rubatsiro paSeke South Clinic. Mukuru weChitungwiza Residents Trust, Muzvare Alice Kuvheya, vanoti madzimai arikuda kubatsirwa haagone kuenda kuma kiriniki ari kure nekwavanogara sezvo makombi asiri kufamba zvakanaka pamusoro pehurongwa rwekurwisana neCoronavirus. Muzvare Kuvheya vanoti kanzuru yeChitungwiza inofanirwa kubatsira madzimai aya kuti akwanise kuenda kwavanobatsirwa panguva iyo vave kuita vana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG