Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Vobatsira Vari Kumusha neZvinodiwa paKurima


Tsapo yembeu yechibage inorema makirogiramu gumi inonzi iri kutengeswa nemadhora makumi maviri ane gumi nemanomwe muzvitoro zvinonzi ndizvo zvakachipa.
Tsapo yembeu yechibage inorema makirogiramu gumi inonzi iri kutengeswa nemadhora makumi maviri ane gumi nemanomwe muzvitoro zvinonzi ndizvo zvakachipa.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinonzi zviri kumiramira kubatsira hama neshamwari kumusha kuburikidza nekutenga zvinhu zvinodiwa pakurima, sezvo vazhinji vari kumusha vari kunzi vari kukundikana kutenga zvakaita sembewu nefotireza nekuda kwekukwira kwemitengo.

Semuenzaniso, katsaga kembeu yechibage yerudzi rweMbizi kanorema makirogiramu gumi kanonzi kari kuita madhora mazana maviri negumi nemanomwe kune chimwe chitoro chinonzi ndicho chine mutengo uri pasi.

Chitoro ichocho chiri kutengesawo tsaga refotereza yepasi kana kuti Compound D nemari inoita madhora mazana mana emari yemunyika, kuchitiwo tsaga refotereza yepamusoro kana kuti AN ichiita madhora mazana mashanu ane gumi nemashanu.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zvagara zvichibatsira hama neshamwari kumusha nezvakasiyanasiyana zvinosanganisira zvekudya nekuda kwemamiriro akaita zvinhu munyaya dzeupfumi hwenyika munyika.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaDenis Juru, vanove zvakare mutungamiri wesangano reCross Border Traders Association, avo vari muJohannesburg, South Africa, vanoti vari kuona zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri munyika iyi zvichitenga zvinhu zvakaita sembeu, fotereza pamwe nemishonga zvekutumira kumusha.

VaJuru vanoti chinogona kunge chiri kusunda vanhu kuti vatenge kuSouth Africa kunetsa kwemari kumusha, uye kushandukashanduka kwemitengo zuva nezuva.

Hurukuro naVaDenis Juru
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG