Accessibility links

Breaking News

Vana veChikoro Votaura Zvido Zvavo


Zimbabwe School Children
Zimbabwe School Children

Vana vechikoro mudunhu reMashonaland West vanoti hurumende inofanirwa kuvaka zvikoro zvakawanda munyika sezvo kudzidzira panze zvavari kuita kusinga kurudzire kudzidza kwakanaka.

Vana ava vatiwo vadzidzisi vapihwe mari inovakwanira uye nenguva kuitira kuti vaite basa ravo nemazvo.

Izvi zvabuda pamusangano wekuvandudza mitemo yezvedzidzo kuti iyenderane nebumbiro remitemo yenyika rakaitwa muna 2013 uyo waitirwa pachikoro cheChinhoyi High neChipiri muChinhoyi.

Mumwe wevana vapinda mumusangano uyu nhasi, Tino Mutsvangwa, wepaNyamhunga Primary kuKariba, anoti hurumende inofanirwa kuvaka zvikoro zvakawanda kuti pashaye mwana anoenda kuchikoro masikati vamwe vachienda manganani.

Tino anoti hurumende inofanirwawo kutenga midziyo yekushandisa muzvikoro yakaita semacombiyuta kuti kudzidza kwavo kuve nyore.

Mumwe mwana ari kuita rugwaro rwechina paJameson Secondary kuKadoma, Moses Ngozo, anoti vana vanofanirwa kudzidza pachena kusvikira murugwaro rweForm 6 sezvo iri kodzera yamwana.

Ngozo anoti ibasa rehurumende kudzidzisa vana vose munyika kwete kuchema chema ichiti haina mari.

Vana ava vashoropodza danho rakatorwa nebazi rezvedzidzo rekuti vatevedzere madzidziro matsva avasina kupa pfungwa dzavo pazviri.

Mumwe wevana ava, Cornelias Dzvengwe, anoti vana vemuzvikoro vangadai vakabvumirwa kupa pfungwa dzavo.

Dzvengwe anoti danho rekumanikidza vana kuti vaite zvidzidzo zvinomwe hazvina kunaka sezvo zvimwe zvacho vari kumanikidzwa.

Kuchema chema kwevana kwatsigirwa nevabereki vapinda mumusangano uyu avo vanoti zvikoro zvishoma izvo zvinomanikidzira vana kufamba mitunhu yakareba kuenda kuchikoro.

Vaimbove nhengo yeparamende yeHurungwe West, VaSeverino Chambati, vanoti zvikoro zvepakati zvishoma zvichiedzaniswa nezvikoro zvepasi.

Vachitaura pamusangano uyu, mukuru wesangano reCentre for Applied Legal Research, Amai Aminata Chatira-Ruwodo, vati vari kuita misangano yakadai nyika yose nekuda kwekuti hurumende itevedzere mitemo yavanobvumirana nekunyorerana nedzimwe nyika mumisangano yepasi rose.

Vakafanobata chigaro chachipangamazano wehurumende munyaya dzezvemitemo, VaKingston Magaya, vati basa rekuvandudza mitemo kuti iyenderane nemitemo yenyika riri kufamba zvakanaka.

VaMagaya vati vane tariro yekuti vachapedza kuvandudza mitemo iyi sarudzo dzegore rinouya dzisati dzaitwa.

Nyaya yatsviriridza pamusangano wanhasi ndeyekuti vana vorohwa here kana kuti kwete kana vakanganisa kuchikoro. Kunyange vadzidzisi pamwe neboka remapurisa vati vana vanofanirwa kurangwa neshamu, vana vechikoro vatsika madziro vachiti kumwe kuranga kunopfuurira mwero.

Zvimwe zvabvumiranwa pamusangano uyu wapindwa nevanhu vanodarika zana nemakumi mashanu zvinosanganisira kupihwa mvumo yekuratidzira kwevadzidzisi, kuvakwa kwezvivakwa zvekudzidzira zvinokwanisa kushandiswa nevana vakaremera, kushandiswa kwemitauro yose yemunyika pamwe nekuwanisa vadzidzi dzimba pazvikoro zvekumamisha.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG