Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvinovhurwa Vana Vakawanda Vachidzorerwa Mari dzeChikoro


Musikana wechikoro
Musikana wechikoro

Vabereki vakawanda kwaMutare vanoti vari kurwadzikana zvikuru nekudzingwa kwaitwa vana vavo zvichitevera kukundikana kwavo kubhadhara mari dzechikoro.

Zvikoro zvizhinji kwaMutare zvadzinga vana vasina kubhadharirwa mari dzechikoro vakuru vezvikoro vachiti vana ava vanofanirwa kutanga vabvisa mari dzechikoro, kunyange hazvo hurumende ichiti hapana mwana anofanirwa kudzingwa nekushayirwa mari.

Zvikoro zvanga zvichidzosera vana kudzimba zvinosanganisira Mutare Junior School, Baring Primary School, Sacred Heart Primary, St Dominic's High nezvimwe zvakadaro.

Vabereki vataura neStudio7 vati zviri kuitwa nevakuru vezvikoro izvi hazvina kunaka sezvo vakawanda vavo vari kunetsekana nehupenyu sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

Mumwe mugari wekuHobhouse, Amai Dambudzo Dube, vanoti varwadzikana zvikuru nekudzoswa kwaitwa mwana wavo nhasi. Amai ava vanoti mwana wavo, uyo anodzidza paMurahwa Government Primary School, adzoswa pamwe nevamwe vana vakati wandei.

Mumwe wevabereki ava, VaLouis Katemo vemumusha weSakubva, vanoti vane vana vaviri vanodzidza paMutare Junior School.

VaKatemo vanoti vakuru vezvikoro vanosungirwa kutaurirana nevabereki kwete kudzosera vana vavo kudzimba. VaKatemo vanoti vazotaurirana nevakuru vechikoro ichi kuti vakwanise kubvumirwa vana vavo kuti vafane kudzidza vachibvisa mari pashoma nepashoma.

Munguva pfupi yapfuura pamusangano wakaitwa pakati pevabereki, vakuru vezvedzidzo uye nemagweta anorwira kodzero dzevanhu muguta reMutare, zvakabuda pachena kuti vana havafanirwi kudzingwa chikoro nenyaya yekushayirwa mari.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu musangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaPeggy Tavagadza, vakati sungano iri pakati pemubereki nechikoro kwete mwana, nokudaro vana vechikoro havafanirwe kudzingwa.

Pamusangano uyu, VaEdison Mapungwana, vanoshanda kubazi rezvedzidzo mudunhu reManicaland, vakabvumawo kuti vana havafanirwi kudzingwa kunyangwe hazvo vabereki vachifanirwa kuita basa ravo.

Vakuru vezvikoro varamba kutaura neStudio7 pamusoro penyaya iyi vachiti havana mvumo kubva kubazi ravo yekutaura nevatori venhau.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG