Hurumende inoti zvikoro zvizhinji pazvikoro zvakakanganiswa nedutumupengo reCyclone Idai mumatunhu eChimanimani neChipinge kuManicaland zvichavhurwa pamwechete nezvimwe zvikoro neChipiri svondo rinouya sezvo zvakagadziriswa.
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa vanoti zvikoro zvishoma zvakakanganiswa zvakanyanya zvakaita seCharles Luangwa ndizvo zvichatamiswa zvichiendeswa kune dzimwe nzvimbo.
Amai Mutsvangwa vanoti basa guru riri kuitwa muzvikoro rinosanganisira kugadziriswa kwezvimbuzi nezvivakwa, vachitendawo vemakambani vavanoti vakazvipira mukubatsirana nehurumende mukuona kuti zvikoro izvi zvakagadziriswa.
Asi munyori werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti chakakosha panyaya iyi hakusi kungovhurwa kwezvikoro sezvo paine zvakawanda kwazvo zvinoda kutanga zvaitwa, zvinosanganisira kubatsirwa kwevarairidzi nevana vechikoro kuti vatambire dambudziko iri.
Facebook Forum