Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoti Hapana Zvainogona Kuita Kumisa Mhirizhonga muSouth Africa


Ziyambi Ziyambi, Zimbabwe’s justice minister, speaks at a public meeting in Chinhoyi town, May 10, 2019.

Zimbabwe inoti haina zvainokwanisa kuita kuchengetedza zvizvarwa zvayo zvakatarisana nemhirizhionga inotyisa iri kuitika kuSouth Africa. Hurumende inoti inotarisira kuti South Africa ndiyo ichachengetdza zvizvarwa zvedzimwe nyika zviri munyika mayo sezvinotarisirwa nemitemo inobata nyika dzepasi rese.

Izvi zvataurwa mudare reSeneti nhasi negurukota rinoona nezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, apo vange vachipindura mubvunzo kubva kuna VaDouglas Mwonzora veMDC avo vange vachida kuziva kuti hurumende yaiziva here kuti kuSouth Africa kwaizoita mhirizhonga iriko, uye kuti iri kuita chiyi mukuchengetedza zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa.

VaZiyambi vati pakaita runyerekupe rwekuti vanhu vemuSouth Africa vaironga kurwisa zvizvarwa zvedzimwe nyika asi hurumende yavo yainge isingatsigire izvi

Asi Senata Mwonzora varatidza kusafara nemhinduro iyi vachiti hurumende haina kuzivisa zvizvarwa zvayo muSouth Africa kuti zvingwarire mhirizhonga iri kuitika pari zvino iyi.

VaZiyambi vati zvainge zvave pachena kuti munyika iyi muchaita mhirizhoinga uye vati raive jana rehurumende yeSouth Africa kuona kuti munyika iyi mune runyararo pamwe nekuti munhu wese achengetedzwa.

VaZiyambi vati pari zvino havazivi kuti zvizvarwa zvingani zveZimbabwe zvakabatwa batwa nemhirizhonga iyi asi vati urwu ruzivo rwavanokwanisa kuwana kubva kumuzinda wemumiriri weZimbabwe kuPretoria muSouth Africa.

VaZiyambi vatiwo Zimbabwe haigone kupinda muSouth Africa kunochengetedza vanhu vayo vachiti zvanokwanisa kuitwa chete kuudza hurumende yeSouth Africa kuti iremekedze zviga zvayakabvumirana nedzimwe nyika zvekuona kuti munyika iyi maita runyararo uye kuti zvizvarwa zvenyika dzese zvachengetedzwa uye vati vakatoita izvi.

Vaenderera mberi vachiti ibasa remutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, sasachigaro wekomiti yeSADC inoona nezvekudzvirirwa kwedunhu iri kuona kuti mudunhu rese mave nerunyararo

Vati nekuda kwaizvozvo, VaMnangagwa vachataura nemutungamiriri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, pamwe nevamwe vatungamiriri vemuSADC kuitira kuti dambudziko riri kuSouth Africa ragadziriswe.

Mune imwewo nyaya, meya veChitungwiza, VaLovemore Maiko veMDC, vasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga pakuratidzira kwakarongwa nesangano reTajamuka muna 2016.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio7 kuti VaMaiko vari kuonekwa pamifanidzo vachipisa motokari yeZimbabwe Broadcasting Corporation uye pane vanhu vauya kumapurisa vachibvuma kuti ndivo.

Vati VaMaiko vanotarisirwa kumiswa pamberi pedare neChishanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG