Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Ichiri Kuferefeta Kutsakatika kwaVaItai Dzamara


Itai Dzamara
Itai Dzamara

Hurumende inoti ichiri kuferefeta kuti VaItai Dzamara, avo vakapambwa nevanhu vasinga zivikanwe makore mana apfuura, vari kupi uye inoti pari zvino hapana zvayati yawana.

Izvi zvinoitika apo mhuri yaVaDzamara iri kuparura Manheru eChitatu, Itai Dzamara Trust, unova mucherechedzo wezvinhu zvese zvairwirwa naVaDzamara.

Izvi zvataurwa negurukota rezvemukati menyika, VaCain Matema, muNational Assembly vachipindura mubvunzo kubva kunhengo dzebato rinopikisa reMDC.

Mumiriri weKambuzuma muNational Assembly, VaWillas Madzimure, vange vakumbira VaMathema kuti vazivise dare iri kuti vasvika papi nekutsvaga VaDzamara avo vakapambwa mumusha weGlen View 7 muna 2015.

VaDzamara, avo vaive mutori wenhau, vakasiya basa rekutora nhau vachiti vava kurwira kodzero dzevanhu kudzamara vaive mutungamiri wenyika panguva iyi, VaRobert Mugabe, vasiya basa.

Vakaita mukuru wesangano reOccupy Africa Unity Sqaure iro raive nevanhu vaiswera vakaungana muAfrica Unity Square vachiti VaMugabe vabve pachigaro sezvo vaityora kodzero dzevanhu.

Musi wa9 Kurume muna 2015, VaDzamara vakapambwa nevanhu vasingazivikanwe uye kusvika nhasi havazikanwe kuti vari kupi.

Dare repamusoro soro rakapa mutongo wekuti hurumende, kuburikidza nemapurisa, itsvage kuna VaDzamara pamwe nekuzivisa mhuri yavo kuti vari kupi.

Munin’ina waVaDzamara, VaPatson Dzamara, vaudza Studio 7 kuti mapurisa akataura navo kwemwedzi mitatu chete zvichitevera mutongo uyu, uye kubvira ipapo, mapurisa haasi kutaura navo.

VaDzamara vati vakatomboedza kutaura nemapurisa, gurukota rezvemukati menyika pamwe nemutungamiriri wenyika kuti vagadzirise nyaya iyi asi hapana chakabuda.

Mhuri yaVaDzamara iri kuparura Itai Dzamara Trust rinova sangano richange richimirira zvese zvairwira naVaDzamara.

VaPatson Dzamara vati mukoma wavo aida kuti vanhu vagare vakasununguka murunyararo uye izvi ndizvo zvichange zvichimirwa neItai Dzamara Trust.

Zvichakadai, sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nekutengeserana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza, vazivisa kuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatambira chisungo chekuti nhengo dzeparamende dzipihwe maDiplomatic Passports.

Vati nekudaro nhengo dzese dzeparamende dzichatanga kupihwa magwaro aya zvisinei nekuti ndedze bato ripi.

VaParadza vayambira kuti vachashandisa magwaro aya zvisina mwero vachaatorerwa.

Mune imwewo nyaya, nhengo dzeparamende kuMDC dzaramba kuzeya bhiri reMaintenance of Peace and Order dzichiti dzinoda kutanga dzawona zvakashandurwa pabhiri iri mushure mekunge imwe komiti yeparamende yeParliamentary Legal Committee yati bhiri iri rinotyora bumbiro remitemo yenyika.

Vange vakabata chinzvimbo chemumutauriri weNational Assembly, VaWilliam Mutomba, vabvuma kutambira chikumbiro chenhengo dzeMDC uye gurukota rezvemukati menyika, VaCain Mathema, vachiti vachauya nebhiri rine zvakashandurwa mudare neChina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG