Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Yabvisa Zvipingaidzo Zvanga Zvichikonzera Mitsetse Mirefu Munzvimbo Dziri Kubayiwa Vanhu Nhomba dzeCovid-19


Covid-19 Council Harare2
Covid-19 Council Harare2

Hurumende inoti vakoti muzvipatara nemakirinika vanofanirwa kunge vachiita basa rebaya vanhu nhomba yekudzivirira Covid-19 chete kwete kunyora makhadhi nekuvabya sezvavari kuita pari zvino ichiti ndizvo zviri kupa kuti mitsetse irambe yakareba munzvimbo idzi.

Vachitaura mushure mekushanyira mamwe makirinika ekanzuru yeHarare ari kubaya nhomba dzeCovid-19 mumisha yeBudiriro neMufakose vaine mumiriri weUnicef muZImbabwe, Dr Tajudeen Oyewale, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr John Mangwiro, vati vave kupedza dambudziko iri nekupinza vana bharani vachaita basa rekunyora makadhi chete kuitira kuti vakoti vaite basa rekubaya chete.

Vati kufamba kwavaita mumakirinika nhasi kwavaratidza kuti basa rekubaya vanhu harisi kafamba sezvinotaririsirwa nekuti vakoti, avo vanotove vashoma, vanopedza nguva vachinyora makadhi pachinhambo chekubaya vanhu.

VaMangwiro vatiwo munhu wese anenge aenda pakirinika kana chipatara chipi zvacho anofanira kubaiwa nhomba yaanoda kwete kuudzwa kuti tiri kubaya nhomba yekutanga kana yepiri chete sezviri kuitika pane dzimwe nzvimbo dziri kubaiwa vanhu.

Vati nhomba dzirimo munyika nekudaro vanhu ngavabaiwe.

Dr Oyewale vati vaona kuti pane gwanza rinoda kuvharwa kutira kuti vakoti vaite basa rekubaya vanhu chete uye vatiwo vanhu vemunharaunda vanofanira kubatsira vakoti kuti vabaiwe nekukasika.

Mukuru wezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vati kunyange hazvo paine matambudziko pano nepapo, huwandu hwevanhu vari kubaiwa nhomba mumakirinika avo huri kukwira zvekuti kiririnika inobaya vanhu vashoma inobaya vanhu vanodarika zana nemakumi mashanu uye dzimwe dzave kubaya vanhu vanodarika mazana matatu pazuva.

Asi vagari vemuBudiriro neMufakose vati nzvimbo dzinobairwa vanhu dzinofanirwa kuwedzerwa sezvo dziri shoma.

Amai Yvone Katiyo Studio7 vatiwo vakoti vepaMufakose Family Health Care vashoma izvi zviri kupa kuti vawandirwe nevanhu.

Mumwe mudzimai ati anonzi Mai Ticha audza Studio7 kuti kuti vangadai vakabaiwa nhomba yepiri musi wa11 Nyamavhuvhu asi izvi zviri kutadza kuitika nekuti vanhu vari kuda kubaiwa vawandisa.

Vanhu munzvimbo zhinji munyika vave kuvata pamitsetse yekubaiwa nhomba dzeCovid-19 sezvo makambani akawanda nehurumende vave kuti vasina kubaiwa vave kunzi vasaenda kumabasa kana kurambidzwa kuita zvinhu zvakaita sekushandisa mabhazi ehurumende.

Zimbabwe inoti ine hurongwa kwekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekudzvirira kupararira kweCovid-19.

Nezuro vanhu mazana mashanu negumi nevana vakabatwa neCovid-19, uye gumi nevasere vakafa nedenda iri.

Kusvika nezuro vanhu vabaiwa nhomba yekutanga vainge vava mamiriyoni maviri nezviuru zana nemakumi mana nezvishanu nemazana mashanu nemakumi matatu nevanomwe (2 145 537, ukuwo vanhu vainge vabaiwa nhomba yepiri vanga vava miriyoni nezviuru mazana matatu nezvina nemazana masere nevaviri (1 304 802.)

Vanhu vafa denda iri vave zviuru zvina nezana nemakumi mashanu nevatanhatu (4 156).

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG