Accessibility links

Breaking News

Amai Savage Vanoti America Inobvisa Zvirango Zimbabwe Ikachinja Maitiro Ayo


Amai Jennifer Savage.

Vakafanobata chigaro chemumiriri weAmerica muZimbabwe, Amai Jennifer Savage, vanoti vanotarisira kuti nyika yavo icharamba aichidyidzana neZimbabwe.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venahu veStudio7 neChishanu mu Washington DC, Amai Savage vakati America inoda zvikuru kudyidzana neZimbabwe, uye ushuviro yavo yekuti Zimbabwe igadzirise zvinhu zviri kunetsa kuitira kuti itambirwe nenyika dzepasi rose.

Zvimwe zvezvinhu zvinofanirwa kugadziriswa zvinosanganisira kuvandudza mitemo yesarudzo, kuvandudza hupfumi hwenyika, uye kuita sarudzo dzakachena dzisina mhirizhonga.

Amai Savage vakatiwo hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kuratidza chido chekugadzirisa zvinhu, izvo vakati zvinhu zvinofadza zvikuru.

Asi vakati vanoda kuona VaMnangagwa vachiita zvinhu zvinoonekwa, kwete kuti zvingogumira pamuromo chete.

Vakatiwo kana America yagutsikana neshanduko inenge yaitwa muZimbabwe, hurumende yavo inogona kubvisa zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende yeZimbabwe pamwe nemakambani anodyidzana nehurumende iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG