Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voita Musangano muBulawayo neMugovera


VaObert Masaraure
VaObert Masaraure

Sangano rinomirira vadzidzisi vekumaruwa, reamalgamated rural teachers of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti riri kuita musangano nenhengo dzaro muBulawayo mangwana.

Musangano uyu unonzi uri kuitwa pasi pechirongwa che ‘Safe Learning Institutions Initiative’.

Mutungamiri we ARTUZ, VaObert Masaraure, vaudza Studio7 kuti musangano uyu uchange uri wevadzidzisi vanobva kumatunhu eMatabeleland North, Matabeleland South ne Bulawayo, uye uchapindwawo nemasangano eVeritas, Zimbabwe Human Rights NGO Forum, Student Christian Movement of Zimbabwe nemamwe.

VaMasaraure vanoti musangano uyu uchakurukura matambudziko ari kusangana nevarairidzi uye uchaunganidza zvinofungwa nevadzidzisi ugozviendesa kuhurumende ichiikurudzira kuti apindudze zvinhu sezvinenge zvataurwa nevadzidzisi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG